Psalms 48

Rwiyo. Pisarema raVanakomana vaKora.

1Jehovha mukuru, uye anofanira kurumbidzwa kwazvo,
muguta raMwari wedu, mugomo rake dzvene.

2Rakanaka pakukwirira kwaro, mufaro wenyika yose.
Sokumusoro-soro kweZafoni,
ndizvo zvakaita Gomo reZioni,
guta raMambo Mukuru.
3Mwari ari munhare dzaro;
akazviratidza kwariri kuti ndiye nharirire yaro.

4Madzimambo akati abatanidza mauto,
vakati vafamba pamwe chete kundorwa,
5vakariona vakashamiswa;
vakatiza nokutya.
6Vakabatwa nokudedera ipapo,
nokurwadziwa sekwomukadzi osununguka.
7Makavaparadza sezvakaitwa zvikepe zveTashishi,
zvakaputswa-putswa nemhepo yokumabvazuva.

8Sezvatakanzwa, ndizvo zvataona,
muguta raJehovha Wamasimba Ose,
muguta raMwari wedu:
Mwari anorisimbisa nokusingaperi. Sera

9Tiri mukati metemberi yenyu, imi Mwari,
tinofungisisa nezvorudo rwenyu rusingaperi.
10Sezvakaita zita renyu, imi Mwari,
kurumbidzwa kwenyu kunosvika kumagumo enyika;
ruoko rwenyu rworudyi ruzere nokururama.
11Gomo reZioni rinofarisisa,
misha yeJudha inofara
nokuda kwokutonga kwenyu.

12Famba-fambai muZioni, ripoteredzei,
verengai shongwe dzaro,
13fungisisai zvakanaka nezvamasvingo aro,
cherechedzai nhare dzaro,
kuti mugotaura nezvazvo kuchizvarwa chinotevera.

14Nokuti Mwari uyu ndiye Mwari wedu nokusingaperi-peri;
iye achava muperekedzi wedu kusvikira kumagumo.
Copyright information for SnaBDSC